Kurapwa kuchipatara handi kun’ora

By Abel Ndonga Except From Kwayedza

SANGANO reApostolic Women Empowement Trust (AWET) riri kudzidzisa vanhu vanopinda kereke dzechipositori munharaunda yeShurugwi, kuMidlands, kukosha kwekuenda kuzvipatara kunorapwa kana vachinge varwara pamwe nekubatsirwa kana madzimai akazvitakura pane kubarira mudzimba.

Nekuda kwezvitendero zvavo, vamwe vanopinda kereke dzechipositori havaende kuzvipatara kunorapwa kana vachinge varwara uye vanosunungukira mudzimba nekunzvimbo dzinozivikanwa nekuti chitsidzo.

Mai Ntombizodwa Revesai, vanove District Health Officer weAWET kuShurugwi, vanoti vari kuita basa rokukurudzira vanamati vemakereke echipositori kuti vaende kunorapwa kuzvipatara kana varwara nezvirwere zvinosanganisira HIV neAIDS kana TB.

AWET iri kushanda yakabatana nesangano reNational AIDS Council munzvimbo yeShurugwi.

Mai Revesai vanoti mutsvakurudzo yavakaita, zvakaonekwa kuti Midlands iri kutungamira panyaya dzekunyuka patsva kweHIV neAIDS.

 

Tiri kushanda nevanhu vanopinda kereke dzechipostori tichionesana navo kuti
hapana chakaipa kuenda kuzvipatara kunorapwa kana kunoonekwa nachiremba uyemadzimai akazvitakura vagosunungukira muzvipatara.

 

Vanhu vanopinda chipositori vazhinji vanotungamidza mweya mutsvene uyo
vanofunga kuti unorapa. Hongu, hatirambe kuti mweya mutsvene unoshanda, asikuenda kuchipatara hakusi kun’ora, kunotovabatsira pautano hwavo,” vanodaro.

 

Mai Revesai vanoenderera mberi vachiti: “Tine vatinoti ma’behavioural change
facilitators’ vanove vamwewo vanhu vanopinda positori iyoyo saka tinovadzidzisa
upenyu hwakanaka hwekurarama kuitira kuti kana vadzokera kumakereke kwavo,vagonopawo ruzivo rwatinenge tavadzidzisa.

 

“Vanhu ava takavapa zvidzidzo maringe nenyaya dzeutano, HIV neAIDS uye nyaya

yehutsanana.

 

Mai Revesai vanoti sangano ravo riri kubatsirawo panyaya yekuvakwa kwezvimbuzi mudzimba munharaunda yeWard 18 kuShurugwi nemunzvimbo dzinonamatira mapositori.

 

Nyaya yekushandura munhu mafungiro ake ihombe isingaitike ipapo-ipapo. Asi tine
mufaro mukuru kuti chirongwa ichi chave kutambirwa nekuti mapositori vari kuona

sechirongwa chavo saka tinenge tichitaura tichinzwisisana pamwe chete.

About This Site

Search for any particular story

Archives